Song of Solomon 4

Murume

1Wakanaka sei, mudiwa wangu!
A, wakazonaka!
Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo.
Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi
riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.
2Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa,
ari kubva kundoshambidzwa.
Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro,
pasina rimwe riri roga zvaro.
3Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku;
muromo wako wakaisvonaka.
Zvavovo zvako zviri mumumbure wako
zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
4Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi
yakavakwa zvinoyevedza.
Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru,
dzose dziri nhoo dzemhare.
5Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara,
mapatya emhara
dzinofura pamwe chete pakati pemaruva.
6Kusvikira zuva rabuda
uye mimvuri yotiza,
ndichaenda kugomo remura
nokuchikomo chezvinonhuhwira.
7Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu;
mauri hamuna kana chinongo.

8Ngatibvei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu,
ngatibvei tose kuRebhanoni.
Buruka kubva pamusoro-soro peAmana,
kubva pamusoro peSeniri,
pamusoro-soro peHerimoni,
kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.
9Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu;
wanditora mwoyo
nokungondiringa kwawaita kamwe chete,
uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.
10Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu!
Rudo rwako runofadza sei kukunda waini,
uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzora
kunokunda zvose zvinonhuhwira.
11Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu;
uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako.
Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.
12Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu.
Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa.
13Miti yako ibindu ramatamba
nemimwe michero yakaisvonaka,
hena nenaridhi,
14naridhi nesafuroni,
karamusi, nesinamoni,
nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira
nemura negavakava,
uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa.
15Uri chitubu chomubindu,
tsime remvura inoerera,
inoerera ichibva kuRebhanoni.
Mukadzi

16Muka, iwe mhepo yokumusoro,
uye uya iwe mhepo yezasi!
Vhuvhuta napabindu rangu
kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose.
Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake,
agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.
Copyright information for SnaBDSC